Revelation 5:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikanzwa ɀisikwa ɀipenyu ɀose ɀiri kuɗeŋga, napanyika, neɀiri pasi penyika, napaguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo, ɀiciti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubginya, nesimba ŋgaɀiʋe kunaiye ugere pamsoro pecigaro coʋushe, nokuGwaiana nokusiŋgaperi‐peri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti: “Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana. Ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba, nokusingaperi-peri!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga napasi napasi penyika nomugungwa nazvose zvirimo zvichiti, “Ngaarumbidzwe, narini narini apiwe rukudzo nembiri noukuru iye agere pachigaro choumambo uyewo kuHwayana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezviri pasi penyika, napagungwa, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti, “Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kuna iye agere pamusoro pechigaro choushe, nokuGwayana nokusingaperi-peri.”
Shona 2009?
Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kunaiye ugere pamusoro pechigaro chovushe, nokugwayana nokusi ngaperiperi.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezviri pasi penyika, napagungwa, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti, “Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kuna iye agere pamusoro pechigaro choushe, nokuGwayana nokusingaperi–peri.”