Revelation 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakaʋona pakati pecigaro coʋushe neɀisikwa ɀipenyu ɀinna, napakati paƲakuru, Gwaiana rimire, rakaita serakaɓayiwa, rinenyaŋga nomŋe nameso manomŋe, iri Mŋeya minomŋe yaMŋari, yakatumŋa kunyika yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo ndakaona Hwayana ichitarisika seyakambouraiwa; yakanga yakamira nechapakati pechigaro choumambo yakatenderedzwa nezvisikwa zvipenyu zvina zviya uye navakuru vakuru vaya. Yakanga iine nyanga nomwe namaziso manomwe. Ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa pasi pose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, Gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
Shona 2009?
Zvino ndakatarira ndikavona pakati pechigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rinenyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, Gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.