Revelation 5:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaimba rwiyo rutȿa, ʋaciti: Ndimi makafanira kuti mutore buku nokuzarura ɀisimbiso ɀayo; nokuti makaɓayiwa, mukateŋgera Mŋari neropa renyu ʋanhu ʋanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose, nendudzi dzose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa nokuzarura zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaimba rumbo rutsva vachiti, “Munokodzera kutora bhuku rokumunonora nokukwatanura namo dzaro nokuti makauraiwa mukanunurira Mwari vanhu kubva kumarudzi ose nendimi dzose navanhu vose nendudzi dzose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti, “Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, makatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;
Shona 2009?
Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;
Shona SUB 2002 Bible
Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti, “Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, makatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;