Revelation 6:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaɗana nenzwi guru ʋaciti: Tenzi mutȿene waɀokwaɗi, mucarega kutoŋga ʋanogara panyika nokuʋatsiʋa ropa reɗu kuȿikira riniko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakadaidzira nezwi guru vachiti, “samasimba changamire mutsvene wechokwadi, kuchazova riniko musati matonga nokutsividza ropa redu kuna vavo vanogara panyika?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakadana nezwi guru vachiti, “Tenzi mutsvene wechokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”
Shona 2009?
vakadana nenzwi guru vachiti: Tenzi mutsvene wechokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokuvatsiva ropa redu kusvikira riniko?
Shona SUB 2002 Bible
vakadana nezwi guru vachiti, “Tenzi mutsvene wechokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira rinhiko?”