Revelation 6:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe nomumŋe waʋo wakapiwa ŋguʋo cena; ʋakaʋudzwa kuti ʋambozorora ciŋguʋa ciɗuku, kuȿikira ʋamŋe ʋaranda pamŋe cete naʋo nehama dzaʋo, dzaifanira kuʋurawa saiʋo, ʋariŋganiswa ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe nomumwe wavo akapiwa gemenzi jena, vachiudzwa kuti vambozorora kashoma kusvikira uwandu hwavashandi pamwe navo nehama dzavo vaifanira kuuraiwa saivo hwakwana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena; vakaudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwechete navo nehama dzavo, dzaifanira kuurawa saivo, varinganiswa vose.
Shona 2009?
Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena; vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo, dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena; vakaudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwechete navo nehama dzavo, dzaifanira kuurayiwa saivo, varinganiswa vose.