Revelation 6:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakati kumakomo nokumabge: Tiwirei, mutiʋige pameso aiye unogara pacigaro coʋushe, napakutsamŋa kweGwaiana;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakadanidzira kumakomo nokumabwe vachiti, “Wirai pamusoro pedu uye mutivige kubva kuchiso chaiye anogara pachigaro choushe nepahasha dzeGwayana!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaidaidzira kumakomo namabwe vachiti “Tiwirei mutivandise tirege kuonekwa nouyo agere pachigaro choumambo mutihwandise kuhasha dzeHwayana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakati kumakomo nokumabwe, “Tiwirei, mutivige pameso aiye anogara pachigaro choushe, napakutsamwa kweGwayana;
Shona 2009?
vakati kumakomo nokumabwe: Tiwirei, mutivige pameso aiye unogara pachigaro chovushe, napakutsamwa kwegwayana;
Shona SUB 2002 Bible
vakati kumakomo nokumabwe, “Tiwirei, mutivige pameso aiye anogara pachigaro choushe, napakutsamwa kweGwayana;