Revelation 6:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikatarira, ndikaʋona biza jena, naiye wakaŋga akaritaȿa, wakaŋga anoʋuta; akapiwa korona, akaɓuɗa acikunda, ʋuye kuti akunde.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena! Akanga akaritasva akanga akabata uta, uye akapiwa korona, akakwira akabuda somukundi kuti andokunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakatarisa, onei bhiza jena, mutasvi waro aine uta. Akagadzwa chiremba choumambo. Akabuda ari mukundi ari kundokunda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikatarira, ndikaona bhiza jena, naiye akanga akaritasva, akanga anohuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde.
Shona 2009?
Ndikatarira, ndikavona bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, wakanga anovuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikatarira, ndikaona bhiza jena, naiye akanga akaritasva, akanga anohuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, uye kuti akunde.