Revelation 6:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo rimŋe biza rakaɓuɗa riri dɀuku; wakaŋga akaritaȿa akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti ʋaʋurayane; akapiwa munondo mukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakabva pabuda rimwe bhiza rakati piriviri kutsvuka. Mutasvi waro akabvumirwa kubvisa rugare panyika. Akapiwa bakatwa guru kuti vanhu vaurayane.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; akanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; akapiwa munondo mukuru.
Shona 2009?
Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vavurayane; akapiwa munondo mukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; akanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; akapiwa munondo mukuru.