Revelation 6:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati azarura cisimbiso cecitatu, ndikanzwa cisikwa cipenyu cecitatu ciciti: Ʋuya! Ndikatarira, ndikaʋona biza ɗema; wakaŋga akaritaȿa wakaŋga aneciyereso muruʋoko rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakakwatanura namo yechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya.” Ndakatarisa onei bhiza dema mutasvi waro aine chikero muchanza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndikatarira, ndikaona bhiza dema; akanga akaritasva akanga ane chiyereso muruoko rwake.
Shona 2009?
Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya uvone. Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiyereso muruvoko rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Akati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndikatarira, ndikaona bhiza dema; akanga akaritasva akanga ane chiyereso muruoko rwake.