Revelation 6:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikatarira, ndikaʋona biza rakacenuruka; wakaŋga akaritaȿa, zita rake Rufu; ʋuye Hadesi rakamuteʋera. Iʋo ʋakapiwa simba pamsoro pececinna cenyika, kuti ʋaʋuraye nomunondo, nenzara, norufu, neɀikara ɀenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakachenuruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakatarisa, onei bhiza rakabhuruvara, zita romutasvi waro rainzi Rufu Nzvimboyorufu ichimutevera mushure. Chikamu chenyika chechina chakaiswa mumaoko avo kuti vauraye vanhu nehondo yebakatwa nenzara nedenda nezvikara zvapasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikatarira, ndikaona bhiza rakachenuruka; akanga akaritasva, zita rake Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vauraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Shona 2009?
Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikatarira, ndikaona bhiza rakachenuruka; akanga akaritasva, zita rake Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vauraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.