Revelation 6:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati azarura cisimbiso cecishanu, ndikaʋona panyasi peartari mŋeya yaʋanhu ʋakaŋga ʋaʋurawa nokuɗa kweshoko raMŋari, nokupupura kwaʋo kwaʋakapupura;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakakwatanura namo yechishanu, ndakaona pasi peatari mweya yavanhu vakaurairwa shoko raMwari nouchapupu hwavakaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndikaona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vaurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;
Shona 2009?
Wakati azarura chisimbiso chechishanu, ndikavona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vavurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;
Shona SUB 2002 Bible
Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndikaona panyasi peatari mweya yavanhu vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;