Revelation 7:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀi ndakaʋona ʋatumŋa ʋanna, ʋamire kumatiʋi manna enyika, ʋakaɓata mhepo inna dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana paguŋgwa, kana pamiti yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mezvo ndakazoona vatumwa vana vakamira pamativi mana enyika vakadzivirira mhepo ina dzapasi kuti pasave nemhepo inovhuvhuta panyika kana pagungwa kana kuvhuvhuta muti zvawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.
Shona 2009?
Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.