Revelation 7:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikati kwaari: Ishe waŋgu, imi munoziʋa. Akati kwandiri: Ndiʋo ʋanobva kukutambudzika kukuru, ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo ʋakadzicenesa muropa reGwaiana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.” Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo uye vakadzichenesa muropa reGwayana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakati kwaari, “Changamire inga ndimi munoziva wani.” Iye akati kwandiri, “Ava ndivo vakabuda mupfumvu huru vakasuka magemenzi avo vakaachenesa muropa reHwayana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikati kwaari, “Ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.”
Shona 2009?
Ndikati kwaari; Ishe wangu, imwi munoziva. Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa regwayana.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikati kwaari, “Ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.”