Revelation 7:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikanzwa kuwanda kwaʋakaiswa cisimbiso; ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna neɀinna, ʋakaiswa cisimbiso ʋacibva kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: Zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakanzwa uwandu hwavakaiswa mucherechedzo vaiva zviuru zana namakumi mana ane zvina ndivo vakaiswa mucherechedzo mudzinza roga roga ravana vaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsiraeri.
Shona 2009?
Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana VaIsiraeri.