Revelation 8:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa wecitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kuɗeŋga, ikawira pamsoro pecetatu cenzizi napamatsime emvura;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechetatu chenzizi nezvitubu zvemvura,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa wechitatu akaridzawo bhosvo rake ndokubva nyenyedzi huru yawa kubva kudenga ichipenya sezhenje ikawira pachikamu chetatu chenzizi uye pazvisipiti zvemvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutumwa wechitatu akaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;
Shona 2009?
Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutumwa wechitatu akaridza, nyenyedzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;