Revelation 8:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa wecinna wakaridza, cetatu cezuʋa cikarobga, necetatu comŋedzi, necetatu cenyeredzi, kuti cetatu caɀo ciȿiɓiswe, ʋuye kuti cetatu camasikati cirege kuvenekera, noʋusiku saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chetatu chezuva chikarohwa, chetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, zvokuti chetatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chetatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechetatu chousiku uhwo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa wechina akaridzawo bhosvo rake chikamu chechitatu chezuva chakarohwa nechikamu chechitatu chemwedzi nechikamu chechitatu chenyenyedzi zvokuti chikamu chechitatu chechiedza chazvo chakaitwa rima. Chikamu chechitatu chamasikati chakarega kuvheneka, ndizvozvo nechikamu chechitatu chousiku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutumwa wechina akaridza, chetatu chezuva chikarohwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, nousiku saizvozvo.
Shona 2009?
Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva chikarobwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, novusiku saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutumwa wechina akaridza, chetatu chezuva chikarohwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyenyedzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, nousiku saizvozvo.