Revelation 8:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe mutumŋa wakaʋuya, akamira paartari, anomudziyo wendarama weɀinonhuwira; akapiwa ɀinouhuwira ziɀhinji kuti aɀiise pamŋe cete neminyeŋgetero yaʋatȿene ʋose pamsoro peartari yendarama, yakaŋga iri pamberi pecigaro coʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mutumwa akauya akasvikomira kuatari. Akanga aine bisiro rendarama akapiwa rusenzi rwakawanda kuti arusanganise neminamato yavatsvene vose paatari yendarama iya, pamberi pechigaro choumambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe mutumwa akauya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwechete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro choushe.
Shona 2009?
Zvino mumwe mutumwa wakavuya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuhwira; akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji kuti azviise pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro chovushe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe mutumwa akauya, akamira paatari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwechete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro peatari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro choushe.