Revelation 8:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutumŋa akatora mudziyo weɀinonhuwira, akauzadza nomŋoto weartari, akaukandira panyika; ipapo kwakaʋuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokuɗeŋgenyika kwenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakauya maungira omutinhiro, muroromero, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa akazotora bisiro riya akarizadza nomoto waibva paatari akarikanda panyika pakava nokudhiriridza kwemheni namabhanan'ana nokupenya kwemheni nokundengendeka kwapasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakauya kutinhira, namazwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.
Shona 2009?
Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakavuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto weatari, akaukandira panyika; ipapo kwakauya kutinhira, namazwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.