Revelation 8:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wokutaŋga wakaridza, kukaʋuya cimvuramabge nomŋoto ɀakaveŋganiswa neropa, ɀikakandirwa panyika; ipapo cetatu cenyika cikatȿa, necetatu cemiti cikatȿa, noʋuswa bgutema bgose bgakatȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chetatu chenyika chakapiswa, chetatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa wokutanga akaridza bhosvo rake kukabva kwaita chimvuramahwe nemoto zvakasanganiswa neropa zvainaya panyika. Chikamu chechitatu chenyika chakatsva, chikamu chechitatu chemiti chakatsva uye uswa unyoro hwakatsva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wokutanga akaridza, kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva, nouswa hutema hwose hwakatsva.
Shona 2009?
Wokutanga wakaridza, kukavuya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva,novuswa, bwutema bwose bwakatswa.
Shona SUB 2002 Bible
Wokutanga akaridza, kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva, nouswa hutema hwose hwakatsva.