Revelation 9:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo ʋo ndakaʋona mabiza pakuratidzwa kwaŋgu, naʋakaŋga ʋakaataȿa, ʋaneɀidzitiro ɀecifuʋa ɀakaita seɀomŋoto, neɀehiasinto, neɀesurferi; nemisoro yamabiza yakaŋga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makaɓuɗa mŋoto, noʋutsi nesurferi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uku ndiko kuona kwandakaita mabhiza iwayo muchiratidzo changu. Vatasvi ivavo vakanga vakapfeka mademautare okuzvidzivirira nawo muhondo oruvara rwomoto nesafaya nesarufa. Misoro yamabhiza iwayo yainge misoro yeshumba, mumiromo yawo muchitogoka moto noutsi nesarufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvowo ndakaona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesuriferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, nohutsi nesuriferi.
Shona 2009?
Saizvozvo vo ndakavona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vanezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesarufa; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, novutsi nesarufa.
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvowo ndakaona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasindo, nezvesuriferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, nohutsi nesuriferi.