Revelation 9:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti simba ramabiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuʋadza nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo uye nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti simba ramabhiza iwayo raiva mumiromo yawo nomumiswe yawo. Miswe yawo yakanga yakaita senyoka ine misoro inokuvadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yavo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, ine misoro; anokuvadza nayo.
Shona 2009?
Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuvadza nayo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yavo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, ine misoro; anokuvadza nayo.