Revelation 9:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋanhu ʋasina‐kuʋurawa namaɗambudziko awa, haʋana‐kutendeʋuka pamaɓasa amaʋoko aʋo, kuti ʋarege kunamata mŋeya yakaipa, neɀifananidzo ɀendarama, neɀesirveri, neɀendarira, neɀamabge, neɀemiti, ɀisiŋgagoni kuʋona, kana kunzwa, kana kufamba;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vanhu vose vakasara vaya, vasina kuuraiwa namatenda iwayo havana kuregera rubatabata rwavo rwuya rwokunamata mweya yakaipa nokunamata zvifananidzo zvendarama nezvesirivha nezvendarira nezvamatombo nezvemiti zvisingakwanisi kuona kana kunzwa kana kufamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vanhu vasina kuurawa namadambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa amaoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvisirivha, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba;
Shona 2009?
Vamwe vanhu vasina kuvurawa namatambudziko awa, havana kutendevuka pamabasa amavoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuvona, kana kunzwa, kana kufamba;
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vanhu vasina kuurayiwa namatambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa amaoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvisirivha, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba;