Revelation 9:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakuʋonekwa kwadzo mhashu dzakaŋga dzakaita samabiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakaŋga paneɀimŋe ɀakaita sekorona dzakafanana nendarama; ɀiso ɀadzo ɀakaŋga ɀakaita seɀiso ɀaʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhashu idzodzo dzakanga dzakaita samabhiza aronganirana hondo. Pamisoro yadzo pakanga paine zvairatidzika sendaza dzendarama. Zviso zvadzo ungati vanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakuonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga panezvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama; zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.
Shona 2009?
Pakuvonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga pane zvimwe zvakafanana nekorona dzakafanana nendarama, zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Pakuonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga panezvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama; zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.