Romans 1:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handiɗi kuti musaziʋa, hama dzaŋgu, kuti kazhinji ndaiɗa kuʋuya kwamuri, (ndikadziʋiswa kuȿikira ɀino), kuti ndiʋe neɀiɓereko kwamuri ʋo, sapakati paʋamŋe ʋahedeni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe vaHedheni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama dzangu ndingade kuti, munyatsoziva kuti kazhinji ndichida kuti ndiuye kwamuri, asi kusvika pari zvino, ndakatadziswa kuti ndiwane chandingakohwe pakati penyu uye napakati pavamwe vose vechirudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuriwo, sapakati pavamwe vahedheni.
Shona 2009?
Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamurivo, sapakati pavamwe vahedheni.
Shona SUB 2002 Bible
Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuriwo, sapakati pavamwe vahedheni.