Romans 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mairi kururama kwaMŋari kunoratidzwa kunobva pakutenda kucienda kukutenda; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakarurama ucararama nokutenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti mariri, kururama kwaMwari kunoratidzwa pachena nechitendero chinobvira pokutanga kusvikira pokupedzisira sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Munhu anoruramiswa nechitendero achararama.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Akarurama achararama nokutenda.”
Shona 2009?
Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Akarurama achararama nokutenda.”