Romans 1:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, iɀo ɀake ɀisiŋgaʋonekwi, iro simba rake risiŋgaperi noʋuMŋari bgake, ɀinoʋonekwa kwaɀo, ɀicizikanwa paɀinhu ɀakaitwa; kuti ʋarege kuʋa nepembedzo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nohuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;
Shona 2009?
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikamwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nohuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;