Romans 1:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ʋaiziʋa Mŋari, asi haʋana‐kumukudza saMŋari, kana kumuʋoŋga; asi ʋakafuŋga ɀisinamaturo, nemŋoyo yaʋo isineziʋo, ikaȿiɓiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo isina zivo yakasvibiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa.
Shona 2009?
nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa.