Romans 10:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hama dzaŋgu, kuɗa kwomŋoyo waŋgu nokukumbira kwaŋgu kunaMŋari pamsoro paʋo ndiko, kuti ʋaponeswe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndokwokuti vaponeswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hama dzangu, chandinodisisa mumwoyo mangu chaizvo nomunamato wangu wandinovaitira kuna Mwari, ndowekuti vaponeswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hama dzangu, kuda kwomwoyo wangu nokukumbira kwangu kuna Mwari pamusoro pavo ndiko, kuti vaponeswe.
Shona 2009?
Hama dzangu, kuda komoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe.
Shona SUB 2002 Bible
Hama dzangu, kuda kwomwoyo wangu nokukumbira kwangu kuna Mwari pamusoro pavo ndiko, kuti vaponeswe.