Romans 11:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinoti: Ko Mŋari wakarasha ʋanhu ʋake here? Haiȿa! Nokuti neni ʋo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbrahama, weimba yaBenjamini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndinobvunza ndichiti, “Mwari akarasa vanhu vake here?” Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndingati Mwari akaramba vanhu vake here? Kwete handizvo. Iyeniwo ndiri muIsiraeri, chizvarwa chaAbhurahamu, ndiri wedzinza rokwaBhenjamini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinoti, Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Haisva! Nokuti neniwo ndiri muIsiraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBhenjamini.
Shona 2009?
Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiswa! Nokuti nenivo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinoti, Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Haisva! Nokuti neniwo ndiri muIsiraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBhenjamini.