Romans 11:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, kana mamŋe mataʋi akavuniwa, iwe, muorivi wokuɗondo ukaɓatanidzwa pakati pawo, ukaʋa nomugoʋe pamŋe cete nawo pamudzi napamafuta omuorivi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;
Shona 2009?
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi;