Romans 11:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari haanakurasha ʋanhu ʋake ʋaakaziʋa pakutaŋga. Ko hamuziʋi kuti Rugwaro runoti kuɗini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMŋari pamsoro paʋaIsraeri, aciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari haana kuramba vanhu vake vaakafanoziva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari haana kurasa vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti anokumbira kuna Mwari pamusoro pavaIsiraeri, achiti,
Shona 2009?
Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti:
Shona SUB 2002 Bible
Mwari haana kurasa vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEriya here? Kuti anokumbira kuna Mwari pamusoro paVaIsiraeri, achiti,