Romans 11:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira ʋunyoro nokukasharara kwaMŋari; kukasharara kunaʋakawa, asi kwauri ʋunyoro bgaMŋari, kana ucigara paʋunyoro bgake; kana ɀisakaɗaro, newe ucatemŋa ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo.
Shona 2009?
Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo.