Romans 11:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiʋo ʋo, kana ʋasiŋgagari pakusatenda kwaʋo, ʋacaɓatanidzwa; nokuti Mŋari unogona kuʋaɓatanidza ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.
Shona 2009?
Naivovo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve.
Shona SUB 2002 Bible
Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.