Romans 11:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti hama dzaŋgu, handiɗi kuti musaziʋa cakaʋanzika ici, kuti murege kuʋa namanyawi; kuti kuwomeswa kwomŋoyo kwakaʋuya pamsoro paʋamŋe ʋaʋaIsraeri kuȿikira kuzara kwaʋahedeni kwapinda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira vaHedheni vakakwana vapinda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mungadaro mukafunga kuti makachenjera, ndingade kuti muzive chakavandika ichi hama dzangu. Kuomaradza mwoyo kwakapinda muchikamu cheIsiraeri kusvikira huwandu hwevechirudzi vose hwapinda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuomeswa kwomwoyo kwakauya pamusoro pavamwe vavaIsiraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
Shona 2009?
Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa komoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuomeswa kwomwoyo kwakauya pamusoro pavamwe vaVaIsiraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;