Romans 11:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe, ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu, ʋakaputsa artari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, ɀino ʋanotȿaka kundiʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuzivisu zvinotaurwa naMagwaro Matsvene nezvaEriya zvaanokumbira Mwari kuti zviwire Isiraeri achiti, “Tenzi vanhu ava vakauraya vaporofita venyu. Vakapaza atari dzenyu. Ini ndoga ndini ndasara uye vari kuda kutondipedzisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundiuraya?”
Shona 2009?
Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya.
Shona SUB 2002 Bible
“Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa atari dzenyu; ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundiuraya?”