Romans 11:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana kusanaŋgura kuri kwenyasha, hakuzati kuciri kwamaɓasa; kana ɀisakaɗaro, nyasha hadziciri nyasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana zviri nokuda kwenyasha, hazvisiri nokuda kwamabasa nokuti nyasha hadzizovi nyasha.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana kutsanangura kuri kwenyasha, hakusati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha.
Shona 2009?
Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana kutsanangura kuri kwenyasha, hakusati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha.