Romans 12:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, netsitsi dzaMŋari, kuti muise miʋiri yenyu, ciʋe ciɓayiro cipenyu, citȿene, cinofadza Mŋari, ndiko kunamata kwenyu kwomŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama dzangu, pamusana petsitsi dzakaitwa naMwari, kuti mupire miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene chinofadza Mwari; ndiko kunamata kwezvomweya ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo.
Shona 2009?
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu komoyo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo.