Romans 12:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe muraŋgariro wenyu uciʋandudzwa, kuti muidze muziʋe kuɗa kwaMŋari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musatevedzere zvenyika asi vandudzwai muve vatsva mupfungwa dzenyu kuti munyatsoziva kuti zvinoda Mwari ndezvipi uye kuti zvakanaka ndezvipi zvinofadza Mwari uye zvakaruramisisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muedze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.
Shona 2009?
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.
Shona SUB 2002 Bible
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muedze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.