Romans 13:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu wose ngaave pasi pehurumende inenge ichitonga nokuti hapana simba rokutonga risingabvi kuna Mwari. Vari kutonga vakatoiswapo naMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.
Shona 2009?
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina kubva kunaMwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.