Romans 13:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀikuru ndinoreʋa iɀoɀi, ɀatinoziʋa ŋguʋa, kuti ɀino yatoʋa ŋguʋa yokumuka kwenyu pahope; nokuti ɀino kuponeswa kweɗu kwaʋa pedyo kupfuʋura zuʋa rataka taŋga kutenda naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyezve apa munoziva kuti inguva yakadii; kuti nguva yacho yakwana zvino yokuti muchimuka muhope. Ndinodaro nokuti ruponeso rwava pedyo nesu zvino kupinda patakatanga kudavira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro.
Shona 2009?
Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro.