Romans 14:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana hama yako iciȿiɓiswa mŋoyo nokuɗa kweɀokudya, iwe haucafambi noruɗo. Usaparadza neɀokudya ɀako uyo wakafirwa naKristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana hama yako ichiodzwa mwoyo nezvauri kudya hauchisiri kuita zvine rudo. Usaite kuti chaunodya chiparadze munhu akafirwa naKristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana hama yako ichisvibiswa mwoyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo akafirwa naKristu.
Shona 2009?
Nokuti kana hama yako ichisvibiswa moyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo wakafirwa naKristu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana hama yako ichisvibiswa mwoyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo akafirwa naKristu.