Romans 14:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita cimŋe cinhu ciŋgagumbusa hama yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakatonaka zvazvo kusadya nyama kana kunwa waini kana kuita chipi zvacho chingaite kuti hama yako itadze.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako.
Shona 2009?
Zvakanaka kusadya nyama, kana kusamwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako, kana kuipa vutera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako.