Romans 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uyo unoceŋgeta zuʋa, unoriceŋgeta nokuɗa kwaShe; uyo unodya, unodya nokuɗa kwaShe, nokuti unoʋoŋga Mŋari; uyo usiŋgadyi, haadyi nokuɗa kwaShe, naiye unoʋoŋga Mŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti anochengeta zuva anochengeta achikudza Tenzi. Anodyawo anodya achikudza Tenzi nokuti anotenda Mwari. Uyewo uyo asingadyi anorega pamusana pokukudza Tenzi achitenda Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyo anochengeta zuva, anorichengeta nokuda kwaIshe; uyo anodya, anodya nokuda kwaIshe, nokuti anovonga Mwari; uyo asingadyi, haadyi nokuda kwaIshe, naiye anovonga Mwari.
Shona 2009?
Uyo unochengeta zuva, unorichengeta nokuda kwaShe; uyo usingachengeti zuva haarichengeti kunaShe, uyo unodya, unodya nokuda kwaShe, nokuti unovonga Mwari. Uyo usingadyi kunaShe haadyi asi unovonga Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Uyo anochengeta zuva, anorichengeta nokuda kwaIshe; uyo anodya, anodya nokuda kwaIshe, nokuti anovonga Mwari; uyo asingadyi, haadyi nokuda kwaIshe, naiye anovonga Mwari.