Romans 15:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana ndicienda Spania, ndicaʋuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuʋonai parwendo rwaŋgu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta ɀishoma kuʋonana nemi).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndine urongwa hwokuita izvi pandichaenda kuSipeini. Ndinovimba kuti ndichakushanyirai pandichapfuura noko uye kuti muzondibatsira parwendo rwangu ikoko, mushure mokunge ndambofadzwa nokuva nemi kwechinguva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndinotarisira kukuonai ndichipfuura pandinenge ndichienda kuSipeini imiwo muchindibatsira parwendo rwangu ikoko pashure pokunge ndambofara kuva nemi kwechinguvana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana ndichienda Sipeini, ndichauya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma kuonana nemi).
Shona 2009?
kana ndichienda Spania, ndichavuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuvonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemwi ikoko, kana ndamboguta zvishoma nemi.)
Shona SUB 2002 Bible
kana ndichienda Sipeini, ndichauya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma kuonana nemi).