Romans 15:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋeMakedonia naʋeAkaya ʋakati ɀakanaka kuti ʋagoʋane naʋarombo paʋatȿene ʋari paJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti vokuMasedhonia nevekuAkaya vakafarira kuti vape chipo kuvarombo mukati mavatsvene vokuJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu.
Shona 2009?
Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari paJerusarema.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti veMasedhonia naveAkaia vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu.