Romans 15:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋakati ɀakanaka; ʋaneŋgaʋa naʋo. Nokuti kana ʋahedeni ʋakaitwa ʋagoʋani naʋo paɀinhu ɀoMŋeya, ʋaneŋgaʋa ʋo rokuʋashumira paɀinhu ɀenyama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana vaHedheni vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama.
Shona 2009?
Nokuti vakatiira zvakanaka; vanengava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vanengavavo rokuvashumira pa zvinhu zvenyama.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama.