Romans 16:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndi kwazisirei Trifaina naTrifosa, ʋanoɓata munaShe. Ndi kwazisirei Persisi, muɗikanwa, wakaɓata ɀikuru munaShe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She. Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndikwazisireiwo vashandi pamwe nesu muna Tenzi Tirifena naTirifosa, mundikwazisirewozve Perisi wapamwoyo akashanda zvakaomarara mubasa raTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikwazisirei Tirifaina naTirifosa, vanobata muna Ishe. Ndikwazisirei Pesisi, mudikanwi, akabata zvikuru muna Ishe.
Shona 2009?
Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikamwa, wakabata zvikuru munaShe.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikwazisirei Tirifaina naTirifosa, vanobata muna Ishe. Ndikwazisirei Pesisi, mudikanwi, akabata zvikuru muna Ishe.