Romans 16:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kuterera kwenyu kwakaȿika kuʋanhu ʋose. Naiɀoɀo ndinofara pamsoro penyu; asi ndinoɗa kuti muʋe ʋakacenjera kuneɀakanaka, asi ʋasinenjere kuneɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guhu rokuteerera kwenyu rakapararira kose kose zvokuti ndinofara kwazvo nemi. Ini ndingade kuti muve shasha pakuita zvakanaka asi muve samazirema zvenyu pakuita zvakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina njere kune zvakaipa.
Shona 2009?
Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune zvakanaka, asi vasina njere kune zvakaipa.