Romans 16:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye, unogona kukusimbisai, seɀinoreʋa Evaŋgeri yaŋgu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kweɀakaʋanzika, ɀisina‐kurebga ŋguʋa dzisiŋgaperi,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngatirumbidzei iye anogona kukusimbisai maererano neShoko rangu Rakanaka uye maererano nokuparidza kwaJesu Kristu uye nokuzarurwa kwezvakanga zvakavandika kwenguva ndefu asi zvino zvakazoburitswa pachena.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye, anogona kukusimbisai, sezvinoreva Vhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurehwa nguva dzisingaperi,
Shona 2009?
Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye, anogona kukusimbisai, sezvinoreva Vhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurehwa nguva dzisingaperi,