Romans 16:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ɀino ɀinoratidzwa nokuziʋiswa kumarudzi ose, naMagwaro aʋaprofita, seɀakarairwa naMŋari usiŋgaperi, kuti ʋaterere nokutenda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye nezvakanyorwa navaporofita zvikazoziviswa kumarudzi ose maererano nezvakanzi naMwari wokusingaperi ngazviziviswe kuti kuve nokuteerera kunounzwa nechitendero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarayirwa naMwari asingaperi, kuti vateerere nokutenda;
Shona 2009?
asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vateerere nokutenda.;
Shona SUB 2002 Bible
asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarayirwa naMwari asingaperi, kuti vateerere nokutenda;